Job 32

Erihu

1Saka varume vatatu ava vakarega kupindura Jobho, nokuti akanga akarurama pakuona kwake. 2Asi Erihu mwanakomana waBharakeri muBhuzi, wemhuri yaRami, akatsamwira Jobho zvikuru nokuda kwokuzviruramisira kwake panzvimbo yokuti zviitwe naMwari. 3Akatsamwirawo kwazvo shamwari nhatu idzi, nokuti vakanga vashayiwa nzira yokupikisa nayo Jobho, kunyange vakanga vambomupa mhosva. 4Zvino Erihu akanga ambomira kutaura naJobho nokuti ivo vaiva vakuru kwaari. 5Asi paakaona kuti varume vatatu ava vakanga vasisinazve chokureva, hasha dzake dzakamuka.

6Saka Erihu mwanakomana waBharakeri muBhuzi akati:

“Ndiri muduku pamakore,
uye imi muri vakuru;
ndokusaka ndanga ndichitya,
ndisingadi kukuudzai zvandinoziva.
7Ndakafunga kuti, ‘Zera rinofanira kutaura;
makore mazhinji anofanira kudzidzisa uchenjeri.’
8Asi ndiwo mweya uri mumunhu,
kufema kwaWamasimba Ose, kunomupa kunzwisisa.
9Havazi vakuru bedzi vakachenjera,
kana vatana chete vanganzwisisa zvakanaka.

10“Naizvozvo ndinoti: Nditeererei;
neniwo ndichakuudzai zvandinoziva.
11Ndakambomirira pamaitaura,
ndakateerera pfungwa dzenyu;
pamakanga muchitsvaka mashoko,
12ndakanyatsokuteererai.
Asi hakuna mumwe wenyu akapwisa Jobho;
hakuna pamuri akapindura mashoko ake zvinogutsa.
13Regai kuti, ‘Tawana uchenjeri;
regai Mwari amukonese, kwete munhu.’
14Asi Jobho haana kunongedza mashoko ake kwandiri,
uye handingamupinduri namashoko enyu.

15“Vashamiswa uye havachina chokureva;
vapererwa namashoko.
16Ko, zvino ini ndingamirira here ivo zvavangonyarara,
zvino zvavangomira ipapo vasina mhinduro?
17Neniwo ndichava nechokutaura;
neniwo ndichareva zvandinoziva.
18Nokuti ndizere namashoko,
uye mweya uri mandiri unondimanikidza;
19mukati mangu ndafanana newaini iri muhomwe yakadzivirwa,
sehomwe itsva dzewaini dzoda kuparuka.
20Ndinofanira kutaura kuti ndirerukirwe;
ndinofanira kushamisa muromo wangu ndigopindura.
21Handina munhu wandichatsaura,
uye handingabati kumeso munhu upi zvake;
22nokuti dai ndaiva nyanzvi yokubata kumeso,
Muiti wangu aizokurumidza kunditora.
Copyright information for SnaBDSC